Isaiah 29

Nhamo kuGuta raDhavhidhi

1Une nhamo iwe Arieri, Arieri,
guta raigara Dhavhidhi!
Wedzera gore pagore;
uye regai nguva dzemitambo yenyu dzirambe dziripo.
2Kunyange zvakadaro, ndichakomba Arieri;
pachava nokuungudza uye nokuchema,
richafanana nechoto chearitari kwandiri.
3Ndichakukomba kumativi ose;
ndichakukomberedza neshongwe
uye ndichavaka nhare dzokurwa newe.
4Uchadzikisirwa pasi, uchataura uri pasi;
kutaura kwako kuchabva muguruva.
Inzwi rako richava seresvikiro rinobva pasi muvhu;
kutaura kwako kuchaita zevezeve kuchibva muguruva.
5Asi vavengi vako vazhinji vachava seguruva rakatsetseka,
vane utsinye vachafanana nehundi inopepereswa.
Pakarepo, nokukurumidza
6Jehovha Wamasimba Ose achauya
nokutinhira nokudengenyeka kwenyika, uye nemheremhere huru,
nechamupupuri, nedutu guru uye nomurazvo womoto unoparadza zvose.
7Ipapo mhomho dzendudzi dzose dzakawanda dzinorwa neArieri,
dzinorirwisa iro nenhare dzaro uye dzinorikomba,
zvichaita sokurota,
nechiratidzo chinoonekwa usiku,
8sezvinoitwa nomunhu ane nzara anorota achidya,
asi apepuka, anowana nzara yake ichiripo;
sezvinoita munhu ane nyota anorota achinwa mvura,
asi omuka achiziya, nyota yake isina kupera.
Naizvozvo ndizvo zvichaitawo marudzi ose akawanda
anorwa neGomo reZioni.

9Katyamarai uye mushamiswe,
zvipofumadzei muve vasingaoni;
dhakwai asi kwete newaini;
dzedzerekai asi kwete nedoro.
10Jehovha akauyisa pamusoro penyu hope huru;
Akafukidza meso enyu, vaprofita;
akafukidza misoro yenyu, vaoni.
11Nokuti kwamuri, chiratidzo ichi hachizi chinhu asi mashoko akanamirwa murugwaro. Uye kana mukapa rugwaro kuno mumwe munhu anogona kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handikwanisi, nokuti rwakanamirwa.” 12Kana kuti mukapa rugwaro kuno mumwe asingagoni kuverenga, mukati kwaari, “Ndapota, verenga izvi,” achapindura achiti, “Handigoni kuverenga.”

13Ishe anoti:

“Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemiromo yavo,
uye vanondikudza nemiromo yavo,
asi mwoyo yavo iri kure neni.
Kundinamata kwavo
kwangova kwemitemo inodzidziswa navanhu chete.
14Naizvozvo ndichashamisa vanhu ava zvakare
nechishamiso pamusoro pechishamiso;
uchenjeri hwavakachenjera huchaparadzwa,
zivo yavane zivo ichapera.”
15Vane nhamo avo vanosvika kwakadzika dzika
kuti vavanzire Jehovha mano avo,
vanoita mabasa avo murima vachifunga mumwoyo yavo kuti,
“Ndiani anotiona? Ndiani achaziva?”
16Munoshandura mamiriro ezvinhu,
sezvinonzi muumbi wehari anonzi ndiye ivhu!
Ko, chakaumbwa chingati kuna iye akachiumba,
“Iye haana kundiita?”
Ko, hari ingati kumuumbi,
“Iye haana chaanoziva?”

17Ko, Rebhanoni haingashandurwi ikava munda wakaorera muchinguva chidiki,
uye munda wakaorera ugoita kunge dondo?
18Pazuva iro vanamati vachanzwa shoko rorugwaro,
uye meso amapofu achaona
ari pakasviba naparima.
19Zvakare vanozvininipisa vachafara muna Jehovha;
vanoshayiwa vachafara muMutsvene waIsraeri.
20Vane utsinye vachaparadzwa,
vaseki vachanyangarika,
uye vose vane ziso rinofarira zvakaipa vachaurayiwa,
21avo vanopomera munhu mhosva neshoko chete,
vanoisira musungo kuna anoruramisira mudare,
uye nouchapupu hwenhema, vanokonesa kururamisirwa kwavasina mhosva.
22Naizvozvo izvi ndizvo zvinotaura Jehovha, akadzikinura Abhurahama, achiti kuimba yaJakobho:

“Jakobho haachazonyadziswizve;
zviso zvavo hazvichazocheneruki.
23Pavachaona vana vavo pakati pavo,
iro basa ramaoko angu,
vachachengeta zita rangu muutsvene;
vachaziva utsvene hwoMutsvene waJakobho,
uye vachamira vachitya Mwari waIsraeri.
24Vakarasika pamweya vachawana njere;
vanonyunyuta vachagamuchira kurayirwa.”
Copyright information for SnaBDSC